Numbers 13

Vasori vanoona nyika yeKenani

1Jehovha akati kuna Mozisi, 2“Tuma vamwe varume kuti vandosora nyika yeKenani, yandiri kupa kuvaIsraeri. Tuma mutungamiri mumwe kubva kurudzi rumwe norumwe rwamadzitateguru avo.”

3Saka, sokurayira kwaJehovha, Mozisi akavatuma vachibva nokurenje reParani. Vose vakanga vari vatungamiri vavaIsraeri.

4Haano mazita avo:

kubva kurudzi rwaRubheni, Shamua mwanakomana waZakuri;
5kubva kurudzi rwaSimeoni, Shafati mwanakomana waHori;
6kubva kurudzi rwaJudha, Karebhu mwanakomana waJefune;
7kubva kurudzi rwaIsakari, Igari mwanakomana waJosefa;
8kubva kurudzi rwaEfuremu, Hoshea mwanakomana waNuni;
9kubva kurudzi rwaBhenjamini, Pareti mwanakomana waRafu;
10kubva kurudzi rwaZebhuruni, Gadhieri mwanakomana waSodhi;
11kubva kurudzi rwaManase (rudzi rwaJosefa), Gadhi mwanakomana waSusi;
12kubva kurudzi rwaDhani, Amieri mwanakomana waGemari;
13kubva kurudzi rwaAsheri, Seturi mwanakomana waMikaeri;
14kubva kurudzi rwaNafutari, Nabhi mwanakomana waVhofisi;
15kubva kurudzi rwaGadhi, Generi mwanakomana waMaki.

16Aya ndiwo mazita avarume vakatumwa naMozisi kundosora nyika. (Mozisi akatumidza Hoshea mwanakomana waNuni zita rokuti Joshua).

17Mozisi akati avatuma kundosora nyika yeKenani, akati kwavari, “Kwidzai mupinde nechokuNegevhi uye nomunyika yamakomo. 18Mundoona kuti nyika yakadini uye kuti vanhu vanogarako vakasimba here kana kuti havana, vashoma here kana kuti vazhinji. 19Nyika yavanogara yakadini? Yakanaka here kana kuti yakaipa? Maguta avagere maari akadiniko? Haana masvingo here kana kuti akakomberedzwa? 20Ko, ivhu racho rakadini? Rakaorera here kana kuti kwete? Mune miti here kana kuti hamuna? Muedze kwazvo kuti muuye nezvimwe zvezvibereko zvenyika iyo.” (Yakanga iri nguva yokutanga kuibva kwamazambiringa).

21Naizvozvo vakakwidza vakandosora nyika kubva kurenje reZini kusvikira kuRehobhi, kwakanangana neRebho Hamati. 22Vakakwidza vachipinda nechokuNegevhi vakasvika kuHebhuroni paigara Ahimeni, Sheshai naTarimai, zvizvarwa zvaAnaki. (Hebhuroni rakanga ravakwa makore manomwe Zoani risati ravakwa muIjipiti). 23Vakati vasvika paMupata weEshikori, vakatema davi rimwe raiva nesumbu ramazambiringa. Vaviri vavo vakaritakura nedanda pakati pavo pamwe chete namatamba uye namaonde. 24Nzvimbo iyo yakanzi Mupata weEshikori nokuda kwesumbu ramazambiringa rakatemwa ipapo navaIsraeri. 25Mazuva makumi mana akati apera, vakadzoka kubva kundosora nyika.

Vanozivisa zvokusora kwavo

26Vakadzokera kuna Mozisi naAroni nokuungano yose yavaIsraeri paKadheshi murenje reParani. Ipapo vakazivisa kwavari nokuungano yose uye vakavaratidza zvibereko zvenyika. 27Vakapa nhoroondo iyi kuna Mozisi: “Takaenda kunyika yamakatituma, uye inoerera mukaka nouchi! Hezvi zvibereko zvayo. 28Asi vanhu vanogarako vane simba kwazvo, uye maguta akakomberedzwa uye makuru kwazvo. Takaona kunyange zvizvarwa zvaAnaki ikoko. 29VaAmareki vanogara nechokuNegevhi; vaHiti, vaJebhusi navaAmori vanogara munyika yamakomo; uye vaKenani vanogara pedyo negungwa uye nomunzvimbo inotevedza Jorodhani.”

30Ipapo Karebhu akanyaradza vanhu pamberi paMozisi akati, “Tinofanira kukwidza tindotora nyika nokuti zvirokwazvo tinogona kuitora.”

31Asi varume vakanga vaenda naye vakati, “Hatigoni kurwisa vanhu ava; vakasimba kutipfuura isu.” 32Saka vakaparadzira mashoko akaipa pakati pavaIsraeri pamusoro penyika yavakanga vandosora. Vakati, “Nyika yatakandosora inodya vaya vanogaramo. Vanhu vose vatakaona ikoko vakakura kwazvo. 33Takaona vaNefirimi (izvo zvizvarwa zvavaAnaki vanobva kuvaNefirimi) ikoko. Isu tainge mhashu pakuona kwedu, uye tainge takadarowo pakuona kwavo.”

Copyright information for SnaBDSC